File:Kumakurakura or Children's play area at NDAFA 2016.jpg
Kumakurakura_or_Children's_play_area_at_NDAFA_2016.jpg (640 × 480 pixels, file size: 125 KB, MIME type: image/jpeg)
Captions
Summary
[edit]DescriptionKumakurakura or Children's play area at NDAFA 2016.jpg |
ChiShona: Kumakurakura ndiko kumatakanana kana kumahumbwe kunova kunosangana vapwere vati kurei uko vanenge vachiedzesera kuva vanhu vapwa mhepo. Uku ndiko kwaiitwa mitambo yechihwandehwande, kudzidzira kubika, kusuka, kugara matare nevana vaduku sezvo vaitevedzera vakuru vavo.
Vanhu vazhinji vanogarondivhunza kuti zvino iye zvino vapwere vachine mukana here wenguva yekuenda kundotamba uye kuedzesera mitambo yakasiyana-siyana iyi iyo yaitwa kare. Kareko vapwere va vaienda kundokwasha mabagwe anenge asarira muminda nguva yekukohwa yapera zviya kana yava nguva yamashanga n'ombe dzavaisirisa dzava kusundurwa. Munguva iyoyi ndiyowo zvekare yaicherwa mbeva nevakomana ava vachichera mbeva dzakaita seshana kana mharo kana kuti nhika idzo dzaiita matutu muminda yakakohewa chibagwe kana nzungu zvishoma zvikuru kuminda yenyimo asiwo zvizhinji kuminda yerukweza kana mapfunde nemhunga. Vaiti kana vakaunganidza zviyo zvazvo zvavaicheka vaigona kutozobika doro raimwiwa navakuru senzira yekuratidza vakuru ava kuti ivo vanogona kuitawo zvavanoita uye vakadzidza kubva kuvakuru vavo. Kumakurakura uku kana zvichirehwa paChiNdau kana mahumbwe paChiKaranga kana ChiShona ndiko kunozonzi vamwe vagoimba mhuri dzekuedzesera dzinenge dziina baba, mai, vana, imbwa, n'ombe, huku kana sekuru nambuya zvichibva nekuwanda kwavanhu. Sezvinoonekwa pamufananidzo vapwere ava vanotovaka misha inoenderana netsika dzavo iri nzira yekudzidzisa vana mabasa kuti vakure vachiziva mitoro yakanangana navo kana vachinge vakura uye kuti vasazotambura kana vakura. Nhasi kwava namadhorobha izvi zvava zvishoma. vana vokurira pazvimabhiriji panova pasina zvizhinji zvetsika namagariro zvavanosangana nazvo. Zvichida kana kukasimudzwa kuvakwa kwemisha pazhikoro zvinonongedzera magaririro avanhu zvichava zvakanaka asi zvino unozoona kuti dzimba dzinovakwa pachikoro chinodzidza vana vanobva kutsika nemagariro avo unoona kuti zvichida kuchavakwa dzekuChiKaranga, kana ChiZezuru, kana ChiKorekore, kana ChiManyika, izvo zvinosiya vamwe vana vasingazooni magariro netsika dzekumusha kwavo. |
Date | |
Source | Own work |
Author | Chibarabada Kumambure |
Licensing
[edit]- You are free:
- to share – to copy, distribute and transmit the work
- to remix – to adapt the work
- Under the following conditions:
- attribution – You must give appropriate credit, provide a link to the license, and indicate if changes were made. You may do so in any reasonable manner, but not in any way that suggests the licensor endorses you or your use.
- share alike – If you remix, transform, or build upon the material, you must distribute your contributions under the same or compatible license as the original.
File history
Click on a date/time to view the file as it appeared at that time.
Date/Time | Thumbnail | Dimensions | User | Comment | |
---|---|---|---|---|---|
current | 15:01, 5 August 2018 | 640 × 480 (125 KB) | Chibarabada Kumambure (talk | contribs) | User created page with UploadWizard |
You cannot overwrite this file.
File usage on Commons
There are no pages that use this file.
Metadata
This file contains additional information such as Exif metadata which may have been added by the digital camera, scanner, or software program used to create or digitize it. If the file has been modified from its original state, some details such as the timestamp may not fully reflect those of the original file. The timestamp is only as accurate as the clock in the camera, and it may be completely wrong.
Camera manufacturer | SONY |
---|---|
Camera model | DSC-W800 |
Copyright holder |
|
Exposure time | 1/160 sec (0.00625) |
F-number | f/3.5 |
ISO speed rating | 100 |
Date and time of data generation | 15:24, 24 September 2016 |
Lens focal length | 5.5 mm |
Orientation | Normal |
Software used | 1.0200 |
File change date and time | 15:24, 24 September 2016 |
Y and C positioning | Co-sited |
Exposure Program | Landscape mode (for landscape photos with the background in focus) |
Exif version | 2.3 |
Date and time of digitizing | 15:24, 24 September 2016 |
Meaning of each component |
|
Image compression mode | 2.8216004857228 |
APEX shutter speed | 7.322 |
APEX aperture | 3.615 |
APEX exposure bias | 0 |
Maximum land aperture | 3.356 APEX (f/3.2) |
Metering mode | Multi-Spot |
Light source | Unknown |
Flash | Flash fired |
DateTimeOriginal subseconds | 00 |
DateTimeDigitized subseconds | 00 |
Supported Flashpix version | 1 |
Color space | sRGB |
Sensing method | One-chip color area sensor |
File source | Digital still camera |
Scene type | A directly photographed image |
Custom image processing | Normal process |
Exposure mode | Auto exposure |
White balance | Auto white balance |
Focal length in 35 mm film | 31 mm |
Scene capture type | Landscape |
Contrast | Normal |
Sharpness | Hard |